(Translated by https://www.hiragana.jp/)
Uvi - Wikipedia

Uvi (nge. evil) Uipi, mukujaira kufunga kwevanhu zvinoreva mutsananguro we icho chisiri - chipokano[C 1] kana chishaikwa [C 2] cheHunaku (unake). Izanodzamu[C 3] rakakura, kunyangwe richishandiswa zvakatetepa zvamazuvaese rinowanzokushandiswa pakutaura nezve hutsinye hwakadzama uye kupesanisana ne hunaku. Uvi unowanzo vonekwa kunge unoratidzika nenzira dzakasiyana, senge nzira yeuvi hwe ufukaunhu[C 4] mumunhu pachake. Ufukaunhu unozowanzokusanganiswa neiro shoko rokuti uvi mukushandiswa kwaro, kana uvi uharirwe (senge kuti zvikonzero zverushambwa rwechiharirwe kana zvirwere). Pamusoro pezvo, muzvitendero, vanhu vanofunga kuti zvikonzeresi madhimoni kana zvemhiri-nechasikwa[C 5].[1] Mamwe maonero ezvitendero kana maoenero e pasirose, uye zvigondamano zvinotarisisa "hunaku huchipokana ne uvi", vamwe havabvumi kushandiswa kweuvi mukutsanangura hunhu hwekuzvarwa nahwo pavanhu.

Horokodzwa huru

chinjirudza

Tarisai peji re: Nhu kuwana ruzivo rwakadzama

Uvi unokwanisa kutsanangurwa sekushayikwa kwe hunaku. Senge kuti, Mwari ndivo hunaku, saka pasina Mwari paneuvi zvokungorikudaro[C 6]. Izvi ndizvozvinoita kutenda kwevanhu kuti panaMwari panehunaku, pasina Mwari hapana hunaku nekuti Mwari ndiwo dziva rohunaku, hunaku hwunowanikwa kumwe hunobva mavari uye pavari.

Mamwe mapeji ekutarisa

chinjirudza

Mabviro eruzivo

chinjirudza
  1. enwiki
  1. chipokano., kureva opposite, opposition
  2. rushaikwa., kureva absence
  3. zanodzamu., kureva concept
  4. ukufaunhu., kureva lack of morality
  5. supernatural., kureva mhiri-nechasikwa kana mhiri-kwechasikwa.
  6. by default, as it is, naturally., kureva nokungorikudaro, zvokungorikudaro