(Translated by https://www.hiragana.jp/)
Runhanhira - Wikipedia Svetuka kuchirochemo

Runhanhira

Kubva Wikipedia
Dzokororo sekubva 05:45, 9 Ndira 2013 na Thumani Mabwe (ereketa | zvinzatu) (Created page with "Muchidzidzo chefundoyetsimba, runhanhira (momentum in English) zvinoreva simba riri pamutumbi uri kufamba rokuti unoda kupfuurira mberi nokufamba. Runhanhira runowani...")
(zvisiyaniso) ← Dzokororo yekare | Dzokororo yarizvino (zvisiyaniso) | Dzokororo itsva → (zvisiyaniso)

Muchidzidzo chefundoyetsimba, runhanhira (momentum in English) zvinoreva simba riri pamutumbi uri kufamba rokuti unoda kupfuurira mberi nokufamba. Runhanhira runowanikwa nokuunga huremu nemuchacha wemutumbi uri kucherechedzwa.


Kupiwa kwezita

  • Kana munhu achimanya, akanzi chimira pakare-pakare, panoonekwa kuti izvi hazvigoneke - munhu anotomboramba achibanha dzimwe nhanho kuenda mberi asati akwanisa kumira. Ipapa pakuramba munhu achibanha dzimwe nhanho kuenda mberi, asi iye ati anoda kumira ndipo pabva zita rokuti runhanhira. Nokuti pane simba riripo pakumhanya ratisingagoni kumisa pakarepo. Munhu anodanha kupfuura apo afunga zano rokuti amire, zvoita sokunge ave kunhanhira kuenda mberi uko anga asisafanire kuenda.
  • Zvimwechete nebhazi kuti haringamire kuti tsvii panzvimbo yatanga kutsikwa bhurueki, asi rinombosundira mberi kwechinhambwe. Kana zviya bhazi richimhanya, mutyairi otsika mabhureki panoonekwa bhazi richipfurira mberi nokufamba zvisinei kuti mabhureki atsikwa.